Numbers 21

Aradhi rinoparadzwa

1Mambo weAradhi muKenani aigara kuNegevhi, akati anzwa kuti vaIsraeri vakanga vachiuya nenzira inoenda kuAtarimi, akarwisa vaIsraeri akatapa vamwe vavo. 2Ipapo vaIsraeri vakaita mhiko iyi kuna Jehovha, vakati: “Kana mukaisa vanhu ava mumaoko edu, tichaparadza maguta avo zvachose.” 3Jehovha akateerera chikumbiro chavaIsraeri akapa vaKenani kwavari. Vakavaparadza zvachose ivo namaguta avo; naizvozvo nzvimbo iyo ikatumidzwa kunzi Homa.

Nyoka yeNdarira

4Vakafamba vachibva nokuGomo reHori vachitevedza nzira yaienda nokuGungwa Dzvuku, kuti vapoterere Edhomu. Asi vanhu vakaora mwoyo panzira; 5vakapopotera Mwari naMozisi, vachiti, “Makatibudisireiko muIjipiti kuti tizofira murenje? Chingwa hapana! Mvura hapana! Uye hatidi zvokudya zvokungotamburira izvi!”

6Ipapo Jehovha akatuma nyoka dzino uturu pakati pavo, dzikaruma vanhu uye vaIsraeri vazhinji vakafa. 7Vanhu vakauya kuna Mozisi vakati, “Takatadza, patakapopotera Jehovha nemi. Nyengeterai kuti Jehovha atibvisire nyoka idzi pakati pedu.” Saka Mozisi akanyengeterera vanhu.

8Jehovha akati kuna Mozisi, “Gadzira nyoka ino uturu ugoiturika padanda; ani naani anorumwa, akatarira kwairi achararama.” 9Saka Mozisi akagadzira nyoka yendarira akaiturika padanda. Ipapo vaiti kana ani naani akange arumwa nenyoka, akatarisa panyoka yendarira, airarama.

Rwendo rwokuenda kuMoabhu

10VaIsraeri vakaramba vachifamba vakandodzika musasa paObhoti. 11Ipapo vakasimuka kubva paObhoti vakandodzika musasa paIye Abharimi, mugwenga rakatarisana neMoabhu kwakanangana nokumabudazuva. 12Kubva ipapo vakaenderera mberi vakandodzika musasa muMupata weZeredhi. 13Vakasimuka vakabvapo vakandodzika musasa mujinga meAnoni, riri murenje rinosvika kunyika yavaAmori. Anoni ndiwo muganhu weMoabhu, pakati peMoabhu navaAmori. 14Ndokusaka Bhuku reHondo dzaJehovha richiti:

“Wahebhi muSufa nehova,
Anoni
15nemateru ehova
dzinonanga kunzvimbo yeAri
uye dzinowanikwa pamuganhu weMoabhu.”
16Kubva ipapo vakapfuurira mberi vachienda vakasvika kuBheeri, patsime apo pakanzi naJehovha kuna Mozisi, “Unganidza vanhu pamwe chete uye ini ndichavapa mvura.”

17Ipapo vaIsraeri vakaimba rwiyo urwu:

“Tubuka, iwe tsime!
Imbai pamusoro paro,
18pamusoro petsime rakacherwa namachinda,
rakacherwa namakurukota avanhu,
makurukota akanga ane tsvimbo dzoushe nemidonzvo.”
Ipapo vakabva murenje vakaenda kuMatana,
19vachibva kuMatana vakaenda kuNaharieri, vachibva kuNaharieri vakaenda kuBhamoti, 20uye vachibva kuBhamoti vakaenda kumupata uri muMoabhu pamusoro pegomo rePisiga rinotarira pasi kurenje.

Kukundwa kwaSihoni naOgi

21VaIsraeri vakatuma nhume kundoti kuna Sihoni mambo wavaAmori:

22“Titendereiwo kupfuura nomunyika yenyu. Hatingatsaukiri muminda yenyu kana minda yemizambiringa, kana kunwa mvura kubva patsime ripi zvaro. Tichangofamba hedu nomunzira huru yamambo kusvikira tapfuura munyika yenyu.”

23Asi Sihoni haana kutendera vaIsraeri kupfuura nomunyika yake. Akaunganidza hondo yake yose vakafamba vachienda kurenje kundorwisa vaIsraeri. Akati asvika paJahazi, vakarwa navaIsraeri. 24Kunyange zvakadaro, vaIsraeri vakamukunda nomunondo vakamutorera nyika yake kubva paAnoni kusvikira kuJabhoki, asi kusvikira kuvaAmoni bedzi, nokuti muganhu wavo wakanga wakasimba. 25VaIsraeri vakatapa maguta ose avaAmori vakagaramo, pamwe chete neHeshibhoni nenzvimbo dzaro dzose dzokugara. 26Heshibhoni rakanga riri guta raSihoni mambo wavaAmori, akanga arwa namambo akanga ari weMoabhu kare akamutorera nyika yake yose kundosvika kuAnoni.

27Ndokusaka vadetembi vachiti:

“Uyai kuHeshibhoni uye ngarivakwezve;
guta raSihoni ngaridzorerwezve.

28“Moto wakabuda muHeshibhoni,
iwo murazvo kubva muguta raSihoni.
Wakaparadza Ari reMoabhu,
ivo vagari vokwakakwirira kweAnoni.
29Une nhamo, iwe Moabhu!
Maparadzwa, imi vanhu veKemoshi!
Akapa vanakomana vake savatizi
navanasikana vake senhapwa
kuna Sihoni mambo wavaAmori.

30“Asi takavakunda;
Heshibhoni yakaparadzwa yose kusvikira kuDhibhoni.
Takavaparadza kusvikira kuNofa,
iyo inosvika kuMedhebha.”
31Saka vaIsraeri vakagara munyika yavaAmori.

32Shure kwokunge Mozisi atuma vasori kuJazeri, vaIsraeri vakatapa nzvimbo dzaro dzakanga dzakaripoteredza uye vakadzinga vaAmori vakanga vageremo. 33Ipapo vakadzoka vakakwidza nenzira inoenda nokuBhashani, uye Ogi mambo weBhashani nehondo yake yose akabuda kuti andosangana navo kuti arwe navo paEdhirei.

34Jehovha akati kuna Mozisi, “Usamutya, nokuti ndamupa kwauri, nehondo yake yose uye nenyika yake. Umuitire zvawakaitira Sihoni mambo wavaAmori, uyo aitonga muHeshibhoni.”

35Saka vakamuuraya, pamwe chete navanakomana vake nehondo yake yose, vakasiya pasina kana mupenyu. Uye vakatora nyika yake.

Copyright information for SnaBDSC